Luke 18

Mufananidzo wechirikadzi yakatsungirira

1Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo, 2achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu; 3zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu. 4Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu; 5asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo. 6Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva. 7Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera? 8Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?

Mufananidzo wemuFarisi nemuteresi

9Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati: 10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi. 11MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu. 12Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana. 13Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi. 14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.

Jesu anogamuchira vanana

15Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura. 16Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai. 17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.

Jaya mufumi

18Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? 19Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari. 20Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako. 21Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu. 22Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera. 23Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru.

24Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari. 25Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. 26Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa? 27Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.

Mubairo wokuzvipira

28Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai. 29Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari, 30asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi.

Jesu anovaudza zvorufu rwake nekumuka kwake

31Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa. 32Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa, 33uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve. 34Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.

Jesu anosvinudza bofu paJeriko

35Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha; 36rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi. 37Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura. 38Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi! 39Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi! 40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza, 41achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve. 42Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa. 43Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.

Copyright information for Shona